Meteorite logoMeteorite
Back to videos

Kubatana kwaBrett MuVet naVaJob Sikhala

Fresh Story; shoko rekubatana kwaVaBrett Muvheti naVaJob Sikhala rapinda munyika rikasiya vakawanda vachifara vamwe vachiti VaBrett ngavazviitire zvinhu zvavo vari vega! Vanhu munyika varara vachizeya mashoko okuti chii chingaitike munyika kana VaBrett MuVet naVaJob Sikhala vakatanga kuita chinhu chimwechete chekurwisa bato reZanu-PF! VaKembo Mohadi vanotora chigaro chenyika just after the day Cde Knox Chivero vatanga kuhumana paSocial Media vachizivisa kuti kubviswa kwaVaMnangagwa kwava kuibva! VaMohadi vabvuma kuti nyika iri kudzungaidzwa nekushanduka shanduka kuri kuita mamiriro ekunze! Mukadzi ane nhumbu pwamwechete nevanhurume 10, vapfurwa vakafa kuSouth Africa muchiitiko chisati chajeka kuti ndiyani aita izvi uyewo azviitirei! Mauto ebato rinopikisa muEthiopia abvuta guta reTigray, ndokubva mauto ehurumende amhanyiswa zvakaipisisa, mushure mekunge President wenyika iyi ari kupomerwa yekubirira sarudzo! Mutungamiriri weSouth Sudan abvanganyura chimiro chehurumende chose, panguva yaari kunzi ari kuda kupandukirwa sarudzo dziri kuda kuitwa munyika umu dzisati dzaitwa!

Suggested videos